25/11/2020
NDAKAKUDYA NDISINGAZIVI BONUS.
Nhy iwe bonus ko unodarireiko,
Paunosiuya unosionekera wani,
Gore rino zvokwadi wakandibaya panyama nhete,
Zveshuwa wandirwadzisa kusvika pamagumo,
Ndonongedzei chandakaita newe rwendo rwuno,
Zvokwadi inongova kuenda humbangu kudzoka humbangu,
Ko mamwe makore zvaiwonekwa wani musiyano,
Gore rino kungouya makabatana namukoma wako pay
Ini nekufarisa ndikafunga kuti haupo,
Zveshuwa ndakakudya ndisingazivi Bonus.
Svondo rese kupera ndichingoti uchauya,
Kozotonzwa nema next door kuti aah ko wakauya wani,
Kuchitarisa wanike angova machira chete,
Kuti nditi wakatengei ndinganyepa,
Drink,nyama, ma tissue or beer,
Chokwadi chaicho handichazivi,
Ndaifunga kuti haupo sorry zvako,
Ndakakudya ndisingazivi bonus.
Chonyanya kundishungurudza ipfungwa,
Ndobatikana mukufunga,
Kwevamwe wakasvika une chiremerera wani,
Zveshuwa kwevamwe wakasvika kuzvi 30,
Kwangu ukangouya uchirembedza wani,
Iyoyo 20 yawakauya nayo inokwanei,
Zvimwe ndakangoti ndiblaz vako pay,
Ndivozve vandajaira vanouya saizvozvo,
Zveshuwa rwendo rwuno wakandigona,
Ndakakudya ndisingazivi bonus.
Ukati kakuita kako hakasi kemudenho here,
Iko kusiyanisa unokugona,
Asi chokwadi uchatiparadzanisa,
Iyezvino ndakutarisirwa pasi,
Zvakungonzi ava ndivo Vaya,
Ko unodarirei nhy bonus,
Chero mbudzi zvayo hauna kuikwanisa,
Iyo rent handizivi kuti ndichadii,
Mukoma wako kuzoona ouya December,
Anosvika ndabudiswa naiwo malandlord,
Zvokwadi ndaitotemba iwe,
Ndakakudya ndisingazivi bonus.